MaWarriors emuZimbabwe atarisana nemakundano matsva svondo rimwechete vachangopemberera kubudirira kuenda kuma 2017 Africa Cup of Nations finals.
MaWarriors vanombokanganwa zvakaitikwa svondo rapera vachiisa masimba avo pamakundano eCosafa Castle Cup ayo arikutanga mangwana vachitarisira kuita chikwata chekutanga kutora mukombe uyu kashanu.
Mamiriro akaita chikwata cheZimbabwe muhurongwa hwepasi rese kana kuti FIFA rankings hunomakidza maWarriors kutanga vachitamba nezvikwata zvisina mutsindo izvo vanofananidzwa nazvo vachitarisirwa kukwira vakananga kuma kota fainari eCosafa
MaWarriors ari mugungano repasi pasi pamwe chete neSwaziland, Seychelles neMadagascar zvekuti vanofanira kupedza varipamusoro soro kuti vabudirire kusvika kuma kota fainari
Pakapedzisira kutamba chikwata ichi kumakundano aya, maWarriors akabuditsva munharaunda yepasi pasi iyoyo.
Asi mushure mezvakaitika svondo rapera veruzhinji vanotevera nhabvu havana kana hanya nemakundano eCosafa Castle Cup vachiti ivo akangofanana nemitambo nehushamwari sekutaura kwaVaKenias Muchabaiwa.
Makundano eEuro 2016 arikutanga muFrance nhasi manheru apo France irikusangana neRomania.
Muteveri wechikwata cheHarare City vaGilbert Mujajati vanoti chidokwadokwa chese nechikwata chemaWarriors chakaenda apo chikwata ichi chakarova Malawi 3-0 ndokubudirira kuenda kumaNations Cup.
Murairdzi wemaWarriors Kalisto Pasuwa akasimuka nechikwata chake chakasimbisisa kusanganisa Elisha Muroyiwa, Tatenda Mukuruva, Hardlife Zvirekwi, na Danny Phiri avo vaive muchikwata chakadambura dambura Malawi.
MaWarriors arikutanga kupinda munhandare mangwana apo varikusangana neSwaziland.
Zvakamira zvakadai. Chikwata chenyika chemaUnder 20 chiri kuCameroon uko chirikuzodamburana nemaYoung Indomitable Lions mumutambo wavo wechipiri wemaAfrica Youth Championships.
Zvikwata zviviri izvi zvakaita mangange 0-0 mumutambo wavo wekutanga zvekuti Zimbabwe inofanira kukunda kana kuita mangange ekunwisanakuti vabudirire kuenderera mberi mumakwikwi aya.
Panguva imwecheteyo. Pane mitambo mitanhatu yarongwa nevePremier Soccer League kuti itambwe kunyange hazvo maWarriors arikutamba kuCosafa.
Vatsigiri veDynamos varikutarsira kuti murairidzi wavo Lloyd Mutasa akagadzirisa zvainetsa panguva iyo panga pasina mitambo mumwe wavo vaRichard Saidi vachiti kuAscot neChapungu vanonotora mapoinzi matatu.
Vanoti varikutarisira kuti Roderick Mutuma uyo aive akakuvara anaya zvekuti anorova mambure chete kuGweru.
Moses Chunga uyo adzoka muhurairidzi muPremier Soccer League mushure mekutora basa rakasiiwa naTaurayi Mangwiro kuHarare City arikutanga basa rake asi ane mutoro wakaoma kuBoabab Stadium uko arikusangana neNgezi Platinum.
Mitambo yakamira seizvi
Mugovera
Chapungu v Dynamos -Ascot
FC Platinum v ZPC Kariba -Mandava
Tsholotsho v How Mine -White City
Ngezi Platinum v Harare City
NeSvondo
Caps United Triangle - NSS
Mutare City v Bulawayo City -Sakubva
Totarisa mumutambo wekiriket
Makundano epamusoro ekiriketi arikutanga mangwana muHarare Sports Club apo chikwata chenyika chemaChevrons chirikusangana neIndia mumutambo wavo wekutanga wemitatu yezuva rimwe.
India yauya nechikwata chisina kunyanyosimba zvekuti Zimbabwe iyo yave nemurairidzi mutsvaMakhaya Ntini nemutungamiri wevatambi mutsva zvekare, Graeme Creemer irikutarisirwawo kumbokunda mushure mekungorakashwa chete nezvimwe zvikwata.
Kunze kwemitambo mitatu yezuva rimwe, Zimbabwe neIndia zvichasangana zvekare mumitambo mitatu yemaT20.