Zimbabwe Yoita Gadziriro yeMutambo weAFCON neMalawi

  • Michael Kariati

Zimbabwe Warriors

Chikwata cheZimbabwe chiri kutamba neUganda nemusi wemusi weChipiri mumutambo wekuyedzana simba apo zvikwata zviviri izvi zviri kuita gadziroro yakakosha yemakwikwi eAfrica Nations Cup.

MaWarriors arikugadzirira mutambo wavo wakakosha weAfrica Cup of Nations neMalawi uyo uriko munhandare imwe cheteyo neSvondo.

Uganda yakananga kuBotswana uko irikunotambawo mutambo weAfcon nemaZebras.

Mutungamiri weZIFA VaPhilip Chiyangwa vaudza Studio 7 kuti gadziriro yemutambo wemangwana nemusi weSvondo iri kufamba zvakanaka uye vari kutarisira kuti maWarriors Anokunda.

VaChiyangwa vati vatambi vekunze vazhinji vatopinda munyika unova munongedzo wekuti gadziriro yavvo iri kufamba zvakanaka. Zimbabwe ndiyo iri pamusoro muGroup L iine mapoinzi masere ichiteverwa neSwaziland neGuinea dzine mapoinzi mashanu. Malawi ndiyo iri pasi pasi iine mapoinzi maviri.

Vanhu varikuda kuona mutambo weZimbabwe neUganda vari kubhadhariswa dhora rimwechete. Zvichakadaro kwainge kuine makuwerere nemusi weMugovera pamutambo weHighlanders neDynamos neMugovera.

Vamwe vakaita semuteveri ane mbi weDynamos vaFarai Kambamura vachizhamba. Aya ndiwo maperero akaita Battle For Zimbabwe Part One mushure mekunge chikwata cheHighlanders chakadambura Dynamos zvine mutsindo 2-0 ndokupedza makore gumi ekutadza kudya chikwata chemuHarare ichi.

Zvibodzwa zvakabva kunaPrince Dube naBruce Kangwa munharaunda yechipii kwakapedza nzara iyi zvekuti nhanhasi kupemberera uku hakusati kwapera mumwe mutsigiri wav o vaLiberty Mushona vachiti havasi kuzokanganwa zvakaitika muRufaro Stadium izvi.

Kukunda uku kwzasiya Highlanders yadzokera pachinhanho chechipiri patafura yeCastle Lager Premier Soccer League nemapoinzi gumi nemanomwe, maviri pasi pechikwata chiri pamusororo soro cheFC Platinum.

Asi Dynamos yaramba iri pachinhanho chechipfumbwamwe zvekuti vamwe vateveri vechikwata ichi varikuti vakaramba vachitamba zvavarikuita vanoenda kunotamba nhabvu yepasi muDivision One gore rinouya.

Asi murairidzi wavo Lloyd Mutasa haasi kubvuma kuti vachanyokundwa achiti iye vakawana wo mikana yavo vakatadza kuipedzisa. Mutasa arikuramba zvirikutaurwa neveruzhinji kuti chikwata chake hachina vatambi vane humhizha hwekufanora kutambira chikwata chine mukurumbira ichi.

Sachigaro weDynamos VaKenny Mubayiwa vati zvinorwdza zvikuru kukundwa neHighlanders mushure meumboikunda mumakore gumi apfuura.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati