Vakarwa Hondo Vanoti Hurombo Hwovatadzisa Kukwikwidza Musarudzo Zvakasimba

VaDouglas Mahiya.

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vanoti kunyangwe hazvo vakanzi vapinde musarudzo dzemaprimary zviri kunetsa nekuti havana mari dzekuti vatsvage rutsigiro.

Bato reZanu-PF rakazivisa kuti vose vakarwa hondo yerusununguko vakasungunuka kupinda musarudzo pasin zvirehwa rehwa zvakawanda.

Vamwe vari kurambidzwa vachinzi havana makore akawanda vari mubato iri. Asi kunyangwe vakarwa hondo ava vari kupinda musarudzo, VaMahiya vanoti havasi kukwanisa kunyanyogona kuti vakwikwidzane nevamwe vane mari.

Vati dai zvaibvira vakarwa honfo vaingoregedzwa vachipinda musarudzo dzenyika sezvo vakasungunura nyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mahiya