VaPaul Mangwana Voramba Kuti veG40 Vari Kurambidzwa Kupinda Musarudzo

  • Jonga Kandemiiri

VaEmmerson Mnangagwa

Munyori anoona nezvemitemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, varamba mashoko ekuti dzimwe nhengo dzedare reparamende mubato ravo mudunhu reMasvingo, dziri kurambidzwa kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato dzichipomerwa mhosva yekudyidzana nechikwata cheG40.

VaMangwana vanoti pari zvino vanoda kukwikwidza vari kungosvitsa magwaro avo kubato, uye haasati atanga kuongororwa kuti vanokodzera ndevapi, vasingakodzeri ndevapi.

Vanotiwo bato ravo gore rino rakaisa mutemo wekuti kana munhu usina chigaro mudunhu duku, kana kuti District, haukwanise kukwikwidza musarudzo dzekumirira vachakwikwidza kunhengo dzeparamende.

VaMangwana vanotiwo bato ravo riri kutevera hutongo hwejekerere pakuita kwaro sarudzo dzekutsvaga vacharimirira musarudzo huru dzenyika. Vanoti sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato dzichaitwa musi wa 5 Chivabvu nyika yose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana