Vanhu Makumi Mana neVaviri Vofa paZororo reEaster

Kubva zvatanga zororo reEaster kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu vanosvika makumi mana nevaviri vakafa mutsaona dzemumigwagwa vamwe mazana maviri nemakumi mana nevatanhatu vakakuvara.

Mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti kusvika nezuro pane tsaona mazana matatu nemakumi matatu nesere vachiti makumi maviri neshanu dzacho ndidzo dzakauraya vanhu.

Vanhu vafa gore rino panguva imwe chete vakawanda kudarika vakafa gore rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naChief Superitendent Paul Nyathi