VaMnanagagwa Vovimbisa Vanachiremba Mari Asi Kuramwa Mabasa Kunoenderera Mberi

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakaudza bazi rezvemari kuti ripe imwe mari kuna vanachiremba avo vari kuramwa mabasa kubva kutanga kwemwedzi uno.

Mari iri kuwedzerwa ndeye muripo kana vana chiremba vadaidzwa kuti vadzokere kubasa kana vachinge vapedza basa ravo, kana kuti on call allowance.

Mashoko aya akaturwa kunana chiremba ava neHealth Services Board kana kuti HSB, iyo inoona nezvemabasa evose vanoshanda mubazi rezvehutano pamisangano yakaitwa nemusi weChipiri neChitatu.

Asi kuramwa mabasa kwavanachiremba kuri kuenderera mberi sezvo vari kuti HSB haisi kuvaratidza mapepa acho anonzi akabva kubazi rezvemari.

Kuramwa mabasa uku kwava nemazuva makumi maviri nesere pasina zvanyoreranwa pasi kunze kwekungonzi hurumende iri kugadzirisa zvichemo zvavana chiremba.

Hatina kukwanisa kubata mukuru weHSB, Dr Lovemore Mbengeranwa, kana gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Mutauriri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Mxolisi Ngwenya, vanoti kuramwa mabasa kuchaenderera mberi kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Mxolisi Ngwenya