Bepanhau reSunday Mail rinoti mudzimai wevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, Amai Grace Mugabe vari kuferefetwa nenyaya dzehuori pakutengeswa kwemangoda, goridhe uye nyanga dzenzou.
Asi vari pedyo naAmai Mugabe vanoti zviri kuitwa ndezvematongerwo enyika sezvo vari kufungidzirwa kuti zvine chekuita nezvematongerwo enyika sezvo vari kufungidzirwa kuti vari kudyidzana nebato itsva rinopikisa reNational Patriotic Front kana kuti NPF.
Mumazuva mashoma anotevera, Amai Mugabe vari kutarisirwa kuburitsa mashoko kuvatori venhau vachipindura mhosva dzavari kupomerwa idzi.
Mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba vatenda kuti mapurisa ari kuferefeta nyay iyi.
Asi vari pedyo naAmai Mugabe vanoti kana vakatadza ngavasungwe kwete kuti nyaya iburitswe mumapepa.
anotiwo bato reZanu-PF rakaedza kuitira VaMugabe mabiko muna kukadzi kuti vagoropafadza asi VaMugabe vakaramba zvopa kuti paite ropa rakaipa pakati pavo nehurumende yaVaMnangagwa.
Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba sezvo vange vasiri munyika vaenda kuIvory Coast naVaMnangagwa kumusangano wekuyedza kukwezva vemabhizimisi.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis In Zimbabwe Coalition VaJoy Mabenge vanoti muZanu-PF rina manyanga hariputirwe kana wangobuda.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoy Mabenge