Varwere Vorasikirwa neHupenyu Hurumende Ichitadza Kupedza Kuramwa Mabasa kwaVanaChiremba

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association Dr Mxolisi Ngwenya vanoti havasi kuzodzokera kumabasa kusvika hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Zvipatara zvikuru zvakawanda munyika zvakaita seParirenyatwa, Harare Hospital, UBH uye Mpilo zvave kuvhara mamwe mawadhi akawanda uye varwere vanoti zvinhu hazvina kumira zvanakanaka zvekuti vamwe vave kurasikirwa nehupeny

Vanachiremba vakakanda mapadza pasi mukutanga kwemwedzi uno vachiti havasi kufara nemari dzavari kutambira uye kuti muzvipatara hamuna mishonga.

Asi pane mashoko ekuti vanamukoti avo vange voramwa mabasa vave kuzodzokera mushure mekunge vawirirana nehurumende nezvichemo zvavange vasimudza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Mxolisi Ngwenya