VaMugabe Votemesa VaMnangagwa Musoro

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa.

Bepanhau reStandard nemusi weSvondo rakaburitsa mashoko ekuti vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaudza vanhu vakauya pamhembererero yebhavhudhe ravo kumba kwavo kuBorrowdale kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vainge vavakumbira kuti vaite navo musangano.

VaMugabe vanonziwo vakati mhuri yavo iri kushungurudzwa nehurumende yaVaMnangagwa.

Vakatiwo vainge vakatorerwa vashandi nedzimotokari uye mudzimai wavo Amai Grace Mugabe vari kugara vachichema. VaMugabe vanotiwo havana kubva nekuda asi vakashandisirwa mauto.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMugabe VaGeorge Charamba kana mutauriri webato reZanu-PF.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vanoti VaMnangagwa havadi kuti VaMugabe vafukure hapwa nekuti zvinozopa kuti hutongi hwavo huiite sehwechiuto.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi