Mhuri yeZimbabwe muHarare nhasi iri kutarisirwa kuenderera mberi nekuonekana nemutungamiri weMDC-T VaMorgan Tsvangirai avo vari kutarisirwa kuvigwa kumusha kwavo kuHumanikwa, Buhera mangwana.
VaTsvangirai vakashayikira kuJohannesburg South Africa nemusi weChitatu svondo rapera mushure mekurwarwa nechirwere chegomarara.
Nhasi mutumbi waVaTsvangirai warara kumba kwavo. Usati wazoendeswa kumuzinda wavo weHarvest House vozoenda nechikopokopo kunoradzikwa. Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti pane mabhazi akawanda achatakura vanhu kuenda kuBuhera.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaObert Gutu
Zvichakadaro mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakaendawo kumba kwaVaTsvangirai kuHighlands vakabatana nemhuri yavo kuvachema vachikurudzira vanhu kuti vabatane.
VaMnangagwa vakatendawo kuti VaTsvangirai avo vaimboshungurudzwa zvakanyanya nehurumende yeZanu-PF vainge vari munhu akafamba rwendo rwakaoma vari vapenyu.
Vanopikisa vanoti zvainge zvakaoma kuna VaTsvangirai sezvo vatsigiri vavo vamwe vakapondwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF. VaTsvangirai vairohwa nekusungwa nehurumende.
Your browser doesn’t support HTML5
Mashoko aVaEmmerson Mnangagwa parufu rwaVaTsvangirai