VaMnangagwa Vovimbisa Sarudzo Dzakachena VaMwonzora Vachiti Pamuromo Chete

  • Blessing Zulu

Amai Harriett Baldwin nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa muHarare

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnagagwa, nemusi weChishanu vakasangana muHarare kumahofisi avo eMunhumutapa negurukota rekuBritain rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica, Amai Harriet Baldwin, vakavimisa kuti Zimbabwe ichaita sarudzo dzakachena.

Asi mapato anopikisa, masangano akaita seZimbabwe Elections Support Network, Election Resource Centre neZimbabwe Peace Project anoti pane zvakawanda zvinoda kuitwa kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena gore rino.

Zvinhu zvinoda kugadziriswa zvinosanganisira nyaya dzemhirizhonga, kutyisidzirwa kwevanhu uye kuti Zimbabwe Electoral Commission isateme yakarerekera rimwe divi.

Zvimwe zvezvinhu zviri kuda kuvandudzwa zviri kuzeyiwa nekomiti ine mapato matatu ane nhengo dziri mudare reparamende anoti MDC-T, MDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube uye Zanu-PF.

Vari mukomiti iyi vanoti munyori wezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, uye munyori mukuru muMDC yaVaNcube, Amai Miriam Mushayi.

VaMwonzora vanoti ZEC inofanira kuvandudza mitemo yakawanda kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Vanotiwo vaongorori vesarudzo kubva kunze vanofanira kukurumidza kupinda munyika kwete kuuya kwasara mazuva mashoma.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora

Asi VaMangwana vanoti Zanu-PF iri kufara nemitemo yesarudzo iripo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana