Amai Mujuru Vanorohwa neVanofungidzirwa Kuti Vatsigiri veZanu-PF

  • Blessing Zulu

Amai Joice Mujuru

Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party, Amai Joyce Mujuru, varohwa neChina kuGlen Norah A mu Harare nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF.

Vanoti varohwa kudama rekurudyi pedyo neziso vakarapwa nachiremba.Vanoti chiremba avheneka pavakuvadzwa, kana kuti x-ray.

Amai Mujuru vanga vari kuGlen Norah vachitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Amai Mujuru vati vamwe vatsigiri vavo vashanu vakuvara vakaendeswa kuchipatara. Vatiwo vanhu vashanu vasungwa pamwe nevamwe vanhu vaviri vanofungidzirwa kuti mauto.

Vatiwo vari kushamisika zvikuru kuti mhirizhonga iyi iri kuitwa apo rimwe gurukota reBritain rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika dzemuAfrica, Amai Harriet Baldwin, vari muZimbabwe.

Amai Baldwin vachangodomwa kutora chigaro ichi. Nemusi weChina Amai Baldwin vakaita musangano negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika Rtd Lt-General Sibusiso Moyo.

Munguva yesarudzo muZimbabwe munowanzoitwa mhirizhonga yakanyanya zvinopa kuti vamwe vanhu vapondwe kana kukuvadzwa.

Mhirizhonga yakadai ndiyo yakapa kuti Zimbabwe itemerwe zvirango nenyika dzakaita seAmerica neBritain.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Joice Mujuru