VaMnangagwa Vanoudza African Union Kuti Vari Kuchengetedza VaMugabe Zvakanaka

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia.

Mutungami wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakapinda mumusangano wavo wekutanga kuAfrican Union kuAddis Ababa, Ethiopia nemusi weSvondo.

Musangano wechimakumi matatu kana kuti 30th AU Assembly wevatungamiri wenyika watanga.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaEmmerson Mnangagwa kuAfrican Union

Vachitaura pamusangano uyu VaMnangagwa vakaudza vamwe vatungamiri venyika kuti vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakachengetedzeka. Izvi zvakatambirwa nemufaro nevamwe vatungamiti venyika dzemuAfrica.

VaRobert Mugabe, Father Fidelis Mukonori, Dr Misheck Sibanda naRetired General Constantino Chiwenga kuState House

Vachitaura nemusi weMugovera pamusangano weNew Partnership for Africa’s Development kana kuti NEPAD, VaMngangagwa vakati Zimbabwe yakazvipira kutevedzera zviga zveAfrican Union.

Vakatiwo Zimbabwe yakazvipira kushanda nedzimwe nyika munyaya dzezvehupfumi.

Asi vanotungamira sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vaudza Studio 7 kuti vatungamiri veAU ava vanofanira kukurudzira VaMnangagwa kuti vaite sarudzo dzakachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga