MDC Inoti Mauto Atanga Kutyisidzira Vanhu kuNkayi Pamberi peSarudzo

Bato reMDC Inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube rinoti riri kushushikana zvikuru nemashoko ekuti pane mauto ave nemavhiki maviri achivhundutsira vanhu kuNkayi North kunzvimbo inonzi Gwelutsena kumawadhi anoti 3, 4, 5 ne 6.

Bato iri rinoti sezvo nyika yatarisana nesarudzo, vanhu vari kutyisidzirwa nemauto aya vachinzi vakasavhotera bato reZanu-PF vacharohwa zvakasimba.

Bato iri rinoti zviri kutaurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa zvekuti kuchaitwa sarudzo dzakachena handizvo zviri kuitika.

Zvichakadaro rimwe sangano rinoongorora sarudzo reElection Resource Centre rinoti rine humbowo hwekuti hofisi yamabharani mukuru wehurumende kana kuti Registrar General iri kukanganisa chirongwa chekuti vamwe vanhu vanyorese kuvhota kuMatabeleland zvikuru vane vabereki kana mumwe mubereki asina kuberekerwa munyika vane zvitupa zvakanzi Alien.

Hosifi yaRegistrar General iyi inonzi iri kunonoka kupa vanhu ava magwaro ekuti vanyorese kuvhota akaita sezvitupa nemagwaro ekuberekwa.

Izvi zvinonzi zviri kuitikawo kuHopley muHarare. Vamwe vanhu vanoti varikunonoka kubatsirwa zvinopa kuti vagume varega kunyoresa kuvhota.

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai VaObert Gutu vanotiwo vari kushushikana nekukwira kwehuwandu hwekutyorwa kwekodzero dzevanhu uku.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu