EU Inoti Ichadyidzana Zvakasimba neZimbabwe Ndokunge Yaita Sarudzo Dzakachena

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Sangano remubatanidzwa wenyika dzekumawirira reEuropean Union iro rakatemera vamwe vakuru vehurumende zvirango richivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu rinoti richatanga kudyidzana neZimbabwe kana yaita sarudzo dzakachena uye ikaremekedza kodzero dzevanhu.

EU mumashoko kuvatori venhau neMuvhuro yakati inotambira mashoko ari kubva kuvatungamiri venyika yeZimbabwe ekuti munyika muchaitwa sarudzo dzakachena.

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Mnangagwa vakati vaongorori vesarudzo veEU avo vange vave nemakore vachirambidzwa kupinda munyika nehurumende yenyika vakasungunuka kuita izvi gore rino.

Asi EU inoti inotumira vaongorori kana zvimwe zviga zvairi kuda zvatambirwa nehurumende.

Sangano iri rinotiwo rakagadzirira kugadzirisa mashandiro aro neZimbabwe ndokunge munyika mavandudzwa zvinhu.

Asi sachigaro weZanu-PF kuBritain VaNick Mangwana vanoti zvaitwa neEU hazvina chazvinobatsira nyika yeZimbabwe sezvo vachiti sangano iri rinofanira kubvisa zvirango zvakatemerwa mamwe makurukota ehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNick Mangwana

Asi mukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde-Vava vanoti vanotambira mashoko ekukoka vaongorori vesarudzo vekunze.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rindai Chipfunde Vava

Asi vachiti havo vaongorori ava vanofanira kukurumidza kupinda munyika kwete kuuya kwasara mazuva mashoma kuti paitwe sarudzo dzacho.