VaMnangagwa Vopa Madzishe Motokari Uko MDC Ichiti ndezveSarudzo

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatevedzeri vavo, VaKembo Mohadi naGeneral Constantino Chiwenga nemusi weMugovera vakaita musangano nemadzishe kuGweru uko vakapa vamwe vavo motokari uye kutsanangura matorero avakaita basa rekutungamira nyika kubva kune vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMnangagwa vakati vachasanganawo nevemabhizimisi, vakarwa hondo nevechidiki. Vati Zimbabwe inofanira kushanda nesimba kwete kungochema chema nenyaya yezvirango zvakatemerwa Zimbabwe neAmerica.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mukuru wesangano remadzishe Ishe Fortune Charumbira vakatiwo madzishe anotsigira VaMnangagwa musarudzo.

Asi Ishe Daster Chisunga vekuMashonaland Central vanoti madzishe anotsigira mutungamiri wenyika kwete webato.

Your browser doesn’t support HTML5

Ishe Daster Chisunga

Vanotiwo nyaya dzemotokari dzagara dzichipihwa madzishe kuti vakwanise kuita basa ravo.

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti zviri pachena kuti hurumende yeZanu-PF yave kuda kutsvaga rutsigiri zvopa kuti ipe madzishe motokari.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu