Zanu-PF Inoti Iri Kutora Nhamba dzeVanhu Vanenge Vanyoresa kuVhota

  • Blessing Zulu

Nhengo yeZanu-PF Politburo VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti hapana chakaipa pane zviri kuitwa nenhengo dzebato ravo zvekutora nhamba kana kuti ma serial numbers evavhoti vachiti ichi chisungo chebato ravo chekuona kuti nhengo dzaro chaidzo dzanyoresa kuvhota.

:Isu tinoenda kunhengo dzedu dzeZanu PF kuti dzitiratidze kana dzakanyoresa, hatibvunze vanhu vasiri vebato redu," VaMunyaradzi vatsanangura.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti veZanu-PF havafanire kumanikidza vanhu kuti vavape nhamba dzavo dzemapepa aya.

"Zvinenge zvisina kushata kana veZanu PF vachibvunzana pachavo. Asi zvatiri kunzwa ndezvekuti nhengo dzedu dzeMDC dziri kumakidzwa kuratidza ma serial numbers aya. Ndizvo tiri kuramba izvozvo," vadaro VaMwonzora.

Vatiwo vakatenderana neZanu-PF kuti madzishe, masabhuku nemakanzura havafanire kutora nhamba dzevanhu sezo vachimbogovera vanhu zvekudya zvehurumemende.

Zvichakadaro, VaMwonzora naVaMangwana vati ivo nemumwe mumiriri we MDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, ndivo vakapa kuti Zimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, iwedzere nguva yekunyoresa vavhoti.

Komisheni inoone nezvesarudzo yeZEC inoti iri kuzoenderera mberi nekunyoresa vavhoti zvakasimba ichipinda munharaunda dzavo kana kuti registrationblitz kubva musi wa 10 Ndira kusvika musi wa 8 Kukadzi.

Vakafanobata chigaro chasachigaro weZEC, VaEmmanuel Magade, vanoti hurumende yakatopa ZEC mari yekuita chirongwa ichi.

Asi vamwe vanhu munyika vari kugunun’una kuti vari kutyisidzirwa zvakanyanya nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu-PF vachivamanikidza kuti vavape nhamba dzemapepa avanenge vavhotesa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora naVaMunyaradzi Paul Mangwana