Sangano reElection Resource Centre Ronyorera VaMnangagwa Tsamba Richiti Vavandudze Mitemo yeSarudzo

  • Blessing Zulu

Emmerson Mnangagwa

Sangano rinoongorora nyaya dzesarudzo reElection Resource Centre rakanyora tsamba kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa richivakurudzira kuti vaone kuti mitemo yesarudzo yagadziriswa kuti ienderane nebumbiro remutemo wenyika.

Mukuru wesangano iri VaTawanda Chimhini vati mutsamba yavo iyi, vakayeuchidza VaMnangagwa kuti zvimwe zvavari kuda kuti zvienderane nebumbiro remitemo yenyika zvinhu zvavakambovaudza kare mumakore avainge vari mutevedzero wemutungamiri wenyika uye gurukota rezvemitemo.

Vachipa muenzaniso yemitemo inofanira kuringana nebumbiro remutemo, VaChimhini vati Zimbabwe Electoral Commission inofanira kunge yakazvimirira.

Vati ZEC ikasaita mutongi gava pachaita mutauro pakuvhota. Vatiwo mutemo wenyika unoti munhu wose ane kodzero yekuvhota kusanganisa vari kunze kwenyika uye vari mumajeri. Asi vati izvi hazvisi kuitika.

Sangano reERC rakanyorawo tsamba kugurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi uye mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vachivakurudzira kuvandudza mitemo yesarudzo iyi pamberi pesarudzo dzegore rino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Chimhini