Gurukota rinoona nezvevashandi VaPatrick Zhuwao vanovezve muzukuru wemutungamiri wenyika vanoti VaRobert Mugabe havasi kuzomanikidzwa kusiya chigaro chekutungamira nyika kunyangwe hazvo vakakomberedzwa nemauto kumba kwavo kuBlue Roof kuBorrowdale muHarare.
Vachitaura vari parunhare neStudio 7 muSouth Africa umo vanoti vambopotera parizvino, VaZhuwao avo vanofungidzirwa kuti vari kutsvagwa nemauto, vashora zvikuru mukuru wemauto General Constantino Chiwenga vachiti vakapidigura hurumende nechisimba.
Mukuru weMauto, General Chiwenga, Vanoshora Kusagadzikana Kuri muZanu PF
Vati VaMugabe vakazvipira kufa pane kutyora mhiko yavakatora yekuchengetedza bumbiro remutemo wenyika.
VaZhuwao vati pane vanhu vane chitsama vakapfurwa nemauto uye vakati pane vamwe vanodarika zana vakapambwa.
VaRobert Mugabe nemukuru wemauto General Constantino Chiwenga nemamwe makutukota nenhumwa dzemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma kuState House
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba kana mutauriri wemauto kuti ichi ichokwadi here. Vashorawo zvikuru VaPatrick Chinamasa avo vakaudza vanhu kuZimbabwe Grounds nemusi weMugovera kuti mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vanofanira kuendeswa kumatare vachitongwa nemhosva dzavanonzi vakapara.
VaZhuwao vati VaChinamasa ndivo vakatopa kuti hurumende ipidigurwe sezvo vaitya kuongororwa mhosva yekuti ivo nevamwe vavo vakaita zvehuwori panyaya yekubatsira varimi ye“command agriculture.” Vati mari yakawanda yakabiwa pachirongwa ichi.
Kuratidzawo chisimba mauto ange achitenderera pamba paVaMugabe nechikopokopo masikati.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPatrick Zhuwao