IMF Inoti Hupfumi hweZimbabwe Huchaderera Kunge Ine Hondo

  • Blessing Zulu

Doctor John Mangudya

Sangano reInternational Monetary Fund, IMF, nemusi weMuvhuro rakaburitsa gwaro rinoratidza kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi zvaenda kumawere.

Gwaro remamiriro ehupfumi iri rakaparurwa muHarare

IMF inoti kunyange hazvo vinhu zviri kuratidza kuti zvichaita nani munyika dzakawanda muAfrica, Zimbabwe iri panyika gumi dzisiri kuita zvakanaka munyaya dzezvehupfumi.

Nyika idzi dzinosanganisira dzimwe dzine hondo dzakaita seBurundi, Democratic Republic of Congo neSouth Sudan.

Bhanga reIMF rinoti riri kutarisira kuti hupfumi hweZimbabwe huchakura ne2.8% mugore rino asi hwozodzika ne0.8%.

Asi hurumende yeZimbabwe inoti hupfumi huchakwira kusvika pa3.5%.

IMF inoti imwe nyaya iri kupa kuti zvinhu muZimbabwe zvisamire zvakanaka inyaya yekuti Zimbabwe ine chikwereti chakakurisa chinosvika mabhiriyoni gumi nematatu kana kuti US$13 billion.

IMF inotiwo nyaya yezvematongerwo enyika iri kupawo kuti zvinhu zvisagadzikane sezvo Zimbabwe iine sarudzo gore rinouya.

Mutungamiri wePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, avo vakambovawo gurukota rezvemari vanoti zvinhu zvakatonyanya kuipa kudarika zviri kutaurwa neIMF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vati vanowirirana nezvataurwa neIMF vachiti Zimbabwe ikasangwarira inogona kuenda kumawere nekuda kwemari inowanzoshandiswa munguva yesarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCallisto Jokonya