Vashandi veZEC Votarisira Kupihwa Mvumo yeKutoresa Vanhu Mhiko

  • Blessing Zulu

VaObert Mpofu.

Gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaObert Mpofu, vatenda kuti vachapa vashandi veZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mvumo yekuti vatorese mhiko kuvanhu vanenge vachida kunyoresa kuvhota svondo rino.

VaMpofu vaudza Studio 7 kuti izvi zvichaitwa kuburikidza neGovernment Gazette.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa nasachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, mushure mekunge vanhu vakawanda vachema chema kuti pavanoenda kunonyoresa kuvhota panenge pasina vanhu vanovatoresa mhiko.

Amai Makarau vati pachikamu chekutanga vakanyoresa vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri.

Vanoti vane chivimbo chekuti vachakwanisa kunyoresa vanhu mamiriyoni manomwe panopera chirongwa ichi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rita Makarau