Zimbabwe Electoral Commission Yosimbaradza Chirongwa cheKunyoresa VaVhoti Kutanga neMusi weChipiri

  • Blessing Zulu

Amai Rita Makarau

Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vanoti kutanga nemusi weChipiri vanenge vatanga kuenda kunzvimbo dzakasiyana siyana vachinyoresa vavhoti kunyangwe mahofisi avo ange achinyoresa vanhu anenge achiti akangovhurwa.

Amai Makarau vasimbaradza kuti zvitupa zvose kusanganisa zvebepa zvinokwanisa kushandiswa.

Vaenderera mberi vakati ZEC inenge yaparurawo nzvimbo yekuti vanhu vachaye runhare vachibvunza mibvunzo kana kuti command centre pamuzinda wavo muHarare. Vanhu vanonzi vanokwanisa kufona chero nguva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hukuro naAmai Rita Makarau