ZEC Yoronga Kunyoresa Vavhoti Vakawanda Svondo Rinouya

  • Blessing Zulu

Amai Rita Makarau

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rita Makarau

Sachigaro wesangano reZimbabwe Election Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti sangano ravo richatanga kurova ndima zvakasimba richinyoresa vanhu kuti vavhote musi wa 10 Gumiguru svondo rinouya nemusi weChipiri.

Izvi zvinotevera kupinda munyika kwemichina zviuru zviviri nemazana matanhatu kubva kukambani yeLaxston Group yekuChina.

Munyika mange muine mimwe michina mazana mana kubva kukambani iy uye ndiyo iri kushandiswa kunyoresa vanhu kumahofisi eZEC pari zvino.

Pari zvino Amai Makarau vanoti vari mubishi kuona kuti michina mitsva iyi ine zvose zvinodiwa vasati vatanga kunyoresa vanhu zvine mutsindo.

Zimbabwe iri kuita sarudzo gore rinouya uye inenge ichishandisa gwaro idzva revavhoti.