ZEC Yoronga Kusimbaradza Ruzivo rweKunyoresa Kuvhota, Asi Kwete Izvozvi.

  • Blessing Zulu

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, ZEC, Amai Rita Makarau, vanoti sangano ravo richasimbaradza kudzidzisa vanhu nezvesarudzo kumaruwa kana kwasara vhiki rimwe chete rekuti vanhu ava vange vapedza kunyoresa.

Amai Makarau vanoti vanenge vachitotumira nhume kunzvimbo idzi kunokurudzira vanhu kuti vanyorese patsva kuvhota.

Mashoko aya anouya apo vamwe vanhu kumaruwa vari kuchema chema zvakanyanyanya kuti havasi kunzwisisa zvinofanira kuitwa pakuti vanyorese kuvhota.

ZEC ichiri yakamirira michina zviuru zviviri nemazana matanhatu kubva kukambani yekuChina yeLaxston Group Ltd.

Pari zvino pane michina mazana mana chete yakapinda munyika uye iri kushandiswa kudzidzisa vanhu vachanyoresa vavhoti.

Mimwe yemichina iyi iri kushandiswawo kunyoresa vamwe vanhu kumahofisi eZEC anosvika makumi matanhatu nematatu ari mumatunhu akasiya siyana.

Kuti vanhu vaende kunonyoresa kuvhota vanoda chitupa chesimbi kana chebepa, gwaro rekufambisa kana kuti passport uye gwaro rinoratidza kwavanogara.

Vanhu vavhota kusvika pari zvino vanonzi vave kuda kusvika zviuru gumi nerimwe.

ZEC inoti panopera chirongwa ichi inenge yanyoresa vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe.

Vanhu vanokwanisa kuvhota kubva na 8 mangwanani kusvika nenguva dza 4.45 manheru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rita Makarau