VaMugabe Voparura Hurongwa hweGwaro Idzva reVavhoti kuState House

  • Blessing Zulu

VaPresident Robert Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChina vari kutarisirwa kuparura chirongwa chekutanga kwekunyorwa kwegwaro revavhoti kuState House.

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission Amai Rita Makarau vaudza Studio 7 kuti pavachabva kuState House vachaenda kuHarare International Conference Centre.

Izvi zvinotevera kuziviswa naVaMugabe mashoko akaburitswa naVaMugabe ekuti hurongwa uhu hutange zviri pamutemo kubva musi wa14 Gunyana kusvika musi wa 1 Ndira gore rinouya.

VaMugabe vakaburitsa hurongwa uhu mugwaro rehurumende regovernment gazette. Amai Makarau vati vamwe vanhu vachazotanga kunyoreswa zviri pamutemo kana michina yose yekunyoresa vanhu kuvhota yebiometric voter registration.

Parizvino michina yakauya inosvika mazana mana uye iri kushandiswa mukudzidzisa vanhu avo vachanodzidzisa vamwe mumatunhu nezvenyaya yekuvhota.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Rita Makarau