Vamwe Vagari veKuDzivarasekwa Vodzingwa Mudzimba dzeKanzuru

VaMayor Bernard Manyenyeni

Kanzuru yeHarare yange yapa vamwe vagari vemumusha unogara vazhinji weDzivarasekwa kusvika nemusi weChina kuti vange vabva mudzimba dzavo nekutadza kubhadhara mari dzemitero.

Vamwe vagari ava vanonzi vane zvikwereti zvinosvika zviuru zvitatu zvemadhora.

Dzimba idzi dzinonzi ndedzekanzuru yeHarare. Asi vamwe vevagari ava vanoti havana kumbopihwa tsamba dzekuti vaizodzingwa.

Sangano reCombined Harare Resident’s Association kana rakumbira kanzuru kuti itange yambogara pasi nemhuri idzi vanzwe zvichemo zvavo.

CHRA yatiwo vanhu vane zvikwereti vanofanira kuenda kukanzuru voronga kubhadhara pashoma pashoma.

Asi mutauriri wekanzuru VaMichael Chideme vati vanhu ava vakapihwa nguva yakakana uye kanzuru inodawo chouviri padzimba idzi. Meya weguta reHarare VaBernard Manyenyei vanoti vagari vakasabhadhare mitero zvinonetsa kuti kanzuru izadzikise mabasa ekuvawanisa mvura nezvimwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMichael Chideme