Dare rePamusoro muSouth Africa Rotarisira Kuzeya Nyaya yeKuti Amai Grace Mugabe Vakaregererwa Zviri paMutemo Here

  • Blessing Zulu

Muzvare Gabriella Engels naAmai Grace Mugabe

Magweta ari kumiririra Muzvare Gabriella Engels, imwe tsvarakadega iri kupomera Amai Grace Mugabe mhosva yekumurova kuSandton, South Africa anoti nhasi aendesa mapepa kudare repamusoro muSouth Africa achida kuti danho rakatorwa neSouth Africa rekuti vasatongwe risendekwe parutivi sezvo richityora mutemo wenyika iyi.

Hurumende yeSouth Africa yakati Amai Mugabe semudzimai wemutungamiri wenyika munyarikani nekudaro vakapihwa ‘’diplomatic immunity’’

Asi rimwe gweta reAfriforum iro riri kumirira Muzvare Gabriella, VaWillie Spies vaudza Studio 7 kuti kana dare ratara kuti vanokwanisa kukwikwidza nyaya yekuti Amai Mugabe vasatongwe vanenge vovapa masamanisi pamwe chete negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Maite Nkoana-Mashabane avo vari kupomerwa mhosva yekutora danho rekuti Amai Mugabe vasaendeswe kumatare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro neChirungu naVaWillie Spies

Kunze kwekurohwa kunonzi kwakaitwa Gabriella, pane mumwe mudzimai anoshanda pahotera yakaitikira mhirizhonga iyi anonzi akabva pamuviri. VaSpies vati vari kuyedza kutaura naye kuti vamumiririre.

Vatiwo vari kutarisira kuti nyaya iyi ichatanga kuzeyiwa mudare musi wa 19 Gunyana. Panyaya iri kutaurwa nemamwe magweta yekuti vanokwanisa kuenda kumatare ekuZimbabwe, VaSpies vati havana chivimbo navo sezvo ari muhaphwa dzehurumende yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga, avo vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch vanoti zvaitwa neAfriforum zvakanaka, asi kuda kuendesa Amai Mugabe kumatare mutoro chaiwo sezvo sangano iri riri kurwisana nehurumende mbiri, yeZimbabwe neyeSouth Africa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga