Amai Maud Muzenda, Mudzimai waVaSimon Muzenda Vanoshaya

Amai Maud Muzenda.

Mudzimai wevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaSimon Muzenda, Amai Maud Muzenda vanonzi vashaya nhasi.

Amai Muzenda vainge vari mukoti uye vasiya vana vanomwe. Mwana wavo, VaVitalis Muzenda vaudza Studio 7 kuti Amai Muzenda vashaikira kuchipatara cheAvenues Clinic muHarare masikati anhasi.

VaVitalis Muzenda vati Amai Muzenda vakamboenda kunorapwa kuSouth Africa mwedzi mitatu yapfuura asi havana kuzombomzwa zvakanaka. Vanhu vanonzi vakaungana panhamba 43 Lewisam Avenue, Chisipiti muHarare.

VaSimon Muzenda kana kuti "Doctor Mzee" vakashaya muna 2003 kuchipatara cheParirenyatwa muHarare uye vakaradzikwa kumarinda eHeroes Acre.