Amai Mugabe Vopomerwa Mhosva yeKupindira muNyaya dzezveMatongerwo eNyika

Amai Grace Mugabe

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vanoti mudzimai wemutungamiriri wenyika, Amai Grace Mugabe vari kupindira zvakanyanya mumashandiro ehurumende kunyange hazvo vasina chigaro muhurumende.

Amai Mugabe ndivo mukuru weboka remadzimai reZanu PF Women’s League.

Amai Mugabe ndivo vakatungamirira kudzingwa kwevaimbove mutevedzeri waVaMugabe Amai Joice Mujuru nedzimwe nhengo dzeZanu PF dzakaita saVaRay Kaukonde.

Munguva pfupi yapfuura pamusangano wevechidiki kuChinhoyi, Amai Mugabe vakashoropodza munyori mukuru mubazi rezvekubuditswa kwemashoko vari zvakare mutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute Doctor Pedzisai Ruhanya vanoti Amai Mugabe vari kushandisa kuve kwavo mudzimai wemutungamiri wenyika kuti vapindire munyaya dzehurumende.

VaRuhanya vanotiwo zviri kuitwa naAmai Mugabe zvine rutsigiro rwemutungamiriri wenyika sezvo kubva zvavatanga kupindira mune zvose zvine chekuita nehurumende havasati vambotsiurwa.

Vawedzera vakati kunyangwe hazvo pamutemo Amai Mugabe vasina chigaro muhurumende, vari kutofambisa mabasa ehurumende vakapa muenzaniso wekuchinja manyorero kwoita mapepa ehurumende akadai seHerald mushure mekutsiurwa kwaVa Charamba.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe mudzidzi anoita zvidzidzo zvematongerwo enyika VaSaul Mhindu. VaMhindu vati hapasisina kupatsanuka pakati pebato reZanu PF nehurumende izvo zvoita kuti Amai Mugabe vapindire munyaya dzehurumende.

VaMhindu vatiwo zviri kuitika muhurumende nemubato reZanu PF zvinoratidza kuti Amai Mugabe varikutonga parizvino kuburikidza nemasimba aVaMugabe.

Mamwe madzimai ari munezvematongerwo enyika anotiwo maitiro a Amai Mugabe anoshoresa mamwe madzimai.

Nhengo yeparamende yeBulawayo Metropolitan vari nhengo yeMDC, Amai Jasmine Toffa vati maitiro nehunhu hwaAmai Mugabe hunoita kuti veruzhinji vasafarire hutungamiriri hwevanhukadzi pamwe nekutya kupinza vanhukadzi pazvigaro.

Amai Toffa vanoti vanoona sekuti Amai Mugabe vanodawo masimba ekutonga. Vati izvi hazvina kuipa asi zvinofanirwa kuitwa negwara kwaro.

Nhengo yeParamende yeHarare West pasi pebato reMDC T uye vari gweta, Amai Jessie Majome vakaudza Studio 7 kuti maitiro aAmai Mugabe anoratidza kuti vanhukadzi vanogona kuwana masimba kana chete vane murume ane masimba vakati izvi zvinopa chimiro chakaipa kune avo vanenge vachida kupinda mune zvematongerwo enyika.

Nhengo dzedare reparamende dzeMDC-T dzakambogunun’unawo gore rapera kuti Amai Mugabe vainge votora zvinhu zvehurumende zvakaita sematarakita vachitsvaga rutsigiro munguva yesarudzo.

Mamwe ematarakita aya ainge atengwa kuBrazil nehurumende. Kunyangwe hazvo dindingwe richinaka richakweva rimwe, mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vave kupota vachikandirwa makobvu nematete naAmai Mugabe mazuva ano vaimbofara chaizvo mazuva aidzingwa amai Mujuru mubato.

Vaimbova sachigaro wesangano revakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaJabulani Sibanda avo vakadzingwa mubato reZanu-PF mushure mekutaura mashoko ekuti amai Mugabe ndivo vainge vave panyanga.

Mashoko aya ari kutaurawo pari zvino nemunyori mukuru wesangano iri VaVictor Matemadanda vevamwe vakuru muZNLWVA.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa