JSC Yotanga Hurongwa hweKusarudza Achatora Chigaro chaVaJohannes Tomana

  • Blessing Zulu

Vaimboa muchuchusi wehurumende VaJohannes Tomana

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwa kudoma muchuchusi mukuru wenyika pamazita emagweta matatu avachapihwa neJudiciary Services Commission kana kuti JSC.

Munhu anenge asarudzwa achatora chigaro chakasiiwa naVaJohannes Tomana avo vakadzingwa basa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yehuori nekutadza kuita basa nemazvo.

Pari zvino pane vanhu vasere vachabvunzurudzwa neJSC kuRainbow Towers muHarare pamberi peruzhinji musi wa21 Nyamavhuvhu.

Vachakwikwidzana ava vanoti, vakafanobata chigaro ichi, VaRay Goba, mutevedzeri wavo, Amai Florence Ziyambi, mutungamiri weLaw Society of Zimbabwe, VaMisheck Hogwe, VaCharles Chinyama, VaWilson Manase, VaJacob Manzunzu, Amai Teclar Mapota uye VaPeter Mufunda.

Vachifanotungamira bato reNational Constitutional Assembly, uye vari gweta, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti masarudzirwo ave kuitwa muchuchusi mukuru aya ari nani pane zvaiitwa kare bumbiro remitemo risati ravandudzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku