MDC neZanu-PF Dzokandirana Makobvu neMatete

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe.

Vanhu vakawanda munyika vanoti vari kushushikana zvikuru nenyaya yemhirizhonga ine chekuita nezvenyaya dzematongerwo enyika iyo yatanga munyika.

Nemusi weChipiri bhawa remutevedzeri wemutungamiri webato reMDC-T, VaElias Mudzuri, rakapiswa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeveZanu-PF muHarare.

Imba yemumwe kanzura yakaputswawo uye motokari yebato iri ikapiswa zvondo rapera mumusha wevazhinji weKuwadzana.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti vari kuferefeta nyaya idzi.

Asi veZanu-PF vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya. Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch raburitsa mashoko richishora mapurisa nekusasunga vanenge vachiita mhirizhonga ava.

Rashorawo gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaIgnatious Chombo, nemashoko avo ekuti mhirishonga iyi iri kukonzerwa neMDC.

Human Rights Watch yakurudzira SADC kuti iudze hurumende yeZimbabwe kuti iferefete nyaya dzose dzezvemhirizhonga dzezvematongerwo enyika kunyangwe dzakaitika kare.

Nhengo yeZanu-PF yaimbova sachigaro wevechidiki mudunhu reHarare, VaJim Kunaka, vanoti Zanu-PF haiite zvemhirizhonga nekuti inokunda musarudzo.

Asi munyori mukuru wevechidiki muMDC-T, VaDenford Ngadziore, vanoti bato reZanu-PF ndiro rinokonzera mhirizhonga munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenford Ngadziore naVaJim Kunaka