Mapurisa Omwaya Hutsi Hunokatyidza Kune veChidiki veMDC-T Vange Vachiratidzira muHarare

  • Thomas Chiripasi

MDC demo

Vechidiki veMDCT vakaratidzira muHarare nemusi weChitatu vachiti havasi kufara nemashandiro arikuita komisheni inowona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

Vechidiki veMDC vanga vachidarika mazana matatu varatidzira kubva pamuzinda webato ravo paHarvest House vakananga kumahofisi ekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission vachiti havasi kufara nemafambisiro ari kuita komisheni iyi basa.

Varatidziri ava vanga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza ZEC.

Pavasimuka pamuzinda webato ravo, mutungamiri weboka revechidiki muMDCT, VaHappymore Chidziva, vaudza varatidziri ava kuti ZEC inofanira kuvandudzwa sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa kuitira kuti sarudzo idzi dzigoitwa zviri pachena. VaChidziva vatiwo mitemo yose inobata sarudzo inofanira kuvandudzwa sarudzo dzisati dzaitwa.

Vasina kumbofamba chinhambwe chakareba, varatidziri ava vatanga kumhanyiswa nemapurisa anga akapakatira zvombo ayo avadira mvura inovava pamwe nekuvamwaya hutsi hunokachidza. Vamwe veruzhinji vangasinei nekuratidzira uku vadirwa mvura inovava nehutsi hunokachidza uhwu.

Varatidziri ava vapisawo ma kadhibhokisi mune imwe migwagwa iri pakati pedhorobha. Mumwe wevaratidziri ava, VaEnock Mkudu, vati vaswera vachiita hwakiti negonzo nemapurisa.

Mumwe wechidiki anga achiratidzirawo, Va Shakespeare Mukoyi, vati komisheni yeZEC yakazara vasori nevari muchiuto vachiti izvi zvinokanganisa chimiro chesangano iri.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vati mapurisa emuZimbabwe anofanira kudzidziswa kutevedzera bumbiro remitemo sezvo vachiti kuratidzira kwaitika nhasi kwanga kusina kukanganisa runyararo.

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanotiwo bato ravo richaratidzira munyika yose munguva pfupi iri kutevera vachiti pane zvinhu zvakawanda zvinobata sarudzo zvinofanira kushandurwa sarudzo dzisati dzaitwa zvakafanana nemitemo inobata mafambisirwo esarudzo, kupindira kwevari muchiuto munyaya dzesarudzo nezvimwe zvakadaro.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi