VaElijah Chanakira Vanoshaya muNjodzi yeMumugwagwa

  • Blessing Zulu

Dr John Elijah Chanakira avo vakave munyori mukuru wekutanga mubazi rezvedzidzo apo nyika yakawana kuzvitonga kuzere muna 1980 vashaya.

VaChanakira vakambovawo mumiriri weZimbabwe kuGermany uye vakamboitawo sachigaro weHarare City Council.

VaChanakira vanonzi vashaikira kuchipatara cheWest End muHarare mushure mekuita njodzi yemumugwagwa. Vanofungidzirwa kuti vakadhumwa nemunhu ainge asina chitupa chekutyaira motokari.

Vasiya vana vatatu vanoti Ngoni, Fadzo na Teurai. Mudzimai wavo, Amai Elizabeth Chanakira vakashaya nechirwere chegomarara muna 2010.