Afrobarometer Inoti Vanhu vemuZimbabwe Votyira Mhirizhonga Musarudzo dza2018

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe (AP Photos/Collage by Ntungamili Nkomo)

Ongororo yakaitwa nesangano reafrobarometer ichishanda nesangano reMass Public Opinion Institute kana kuti MPOI yemuZimbabwe inoratidza kuti vanhu vemunyika vanoda sarudzo dzakachena asi vari kutya mhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Vanhu vakawanda vanonzi vanototyawo kuti vangwarire kuti vavhotera ani nenyaya yemhirizhonga iyi. Vanhu vanodarika chiuru nemazana maviri ndivo vakabvunzwa paongororo iyi.

Chipangamazano muMPOI, VaStephen Ndoma, vanoti ongororo yavo iri kuratidza kuti huwandu hwevanhu vemunyika vasisina chivimbo nesarudzo huri kuramba huchikura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaStephen Ndoma

Muna 2012 vanhu makumi masere nevanomwe kubva muzana vaiti vane chivimbo nesarudzo.

Muna 2014 huwandu hwainge hwaderera kusvika pazvikamu makumi masere nezvishanu kubva muzana.

Asi ikozvino hwasvika pazvikamu makumi manomwe nezvisere kubva muzana.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, rakurudzira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti pavanenge votenderera mumatunhu ose vachisangana nevechidiki vanofanirwa kuvakurudzira kuti vasaite mhirizhonga munguva yesarudzo.

ZPP inoti iri kuona kuti munyika pari zvino hamuchina kugadzikana zvichionekwa nekurwisana kwevatsigiri vezvematongerwo enyika.

Sangano iri rinoti izvi zvikasagadziriswa zvinosvika muna 2018 paine kurwisana.

Mukuru weZPP, Muzvare Jestina Mukoko, vapa semuenzaniso kubayiwa nebanga kunonzi kwakaitwa mutsigiri weZanu-PF, VaAshley Mdutshwa, nevatsigiri veZanu-PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Jestina Mukoko

Hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Sangano reZPP rinoti rinovimba kuti vanhu havazomanikidzwa kuenda kumisangano yaVaMugabe iyi.