Vanhu Vorwira Zvigaro Mubato raAmai Mujuru

Amai Joice Mujuru

Mutauriri wemutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party, VaJealousy Mawarire, vanonzi varova vari kukwikwidza chigaro chekuva munyori webato iri VaGift Nyandoro paBronte Hotel muHarare nemusi weChina.

Vaviri ava vanonzi vange vakandirana makobvu nematete nezvesarudzo yehutungamiri.

VaNyandoro vanoti vakuvara pabvi uye vachaenda kunogadzirwa gumbo iri nemusi weChishanu. Vatiwo ivo negweta ravo vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Studio 7 yayedzawo kubata VaMawarire kuti tinzwe divi ravo asi vange vasingadaire nharembozha yavo kanawo kupindura mashoko atatumira paWhatsApp yavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNick Mangwana naVaEarnest Mudzengi