Amai Mugabe Voenderera Mberi neKuzvidza Mutongo weDare rePamusoro

  • Blessing Zulu

Amai Grace Mugabe

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka kupurazi reArnold Farm kana kuti Manzou kuMazowe, Mashonaland Central uko kune mhuri dzinodarika mazana maviri dziri kudzingwa papurazi iri kuti ripihwe mudzimai wemutungamiri wenyika amai Grace Mugabe.

Nemusi weChishanu mutongi wedare repamusoro VaFelistas Chatukuta vakati mapurisa ambomirwa kupwanya dzimba dzevanhu ava asi vagari vepapurazi iri vanoti hakuna ari kuzviteerera.

Mumwe mugari VaParadzai Murambiwa vanoti vari kugara musango nekutya mapurisa ayo vanoti vari kuvashungurudza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaParadzai Murambiwa

Vanhu vari kunyanya kuomerwa nezvinhu kuManzou madzimai sezvo vaine basa rekuchengeta vana. Mumwe mudzimai ari papurazi iri Amai Susan Kufakunesu avo vanoti vane vana vashanu uye vave kufa nenzara sezvo musha wavo vakaparadzwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Susan Kufakunesu


Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi gurukota rinoona nezvedunhu reMashonaland Central VaMartin Dinha vanoti Amai Mugabe havana kutora purazi asi kuti vakatokokwa nehurumende kuti vauye kuzorichengetera mhuka. Vanoti hurumende yakatora purazi iri mugore ra2006.