Vanopikisa Voronga Kuratidzira neNyaya yeMichina yeKunyoresa Vavhoti

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Elections

Mubatanidzwa wemapato anopikisa weNational Electoral Reform Agenda kana kuti NERA unoti uri kuzoratidzira muharare musi wa 22 Kurume sezvo usiri kufara nedanho rehurumende rekuti yave kuda kutenga michina yekunyoresa vavhoti.

Nhengo dzeNERA dzinosanganisira MDC-T, MDC, ZimPF, PDP, Mavambo Kusile Dawn, Transform Zimbabwe, Freedom Front, Zanu Ndonga, ADP, PDZ, Dare, Zim First, Zunde ne Freezim Congress.

VeNERA vanoti vainge vawirirana kuti United Nations itenge michina iyi uye United Nation’s inoti yange yakagadzirira kubatsira Zimbabwe.

Asi hurumende yakazoti ndiyo ichatenga michina iyi kuburikidza nekupa mari kusangano reZimbabwe Electoral Commission.

Hapana anoziva kuti mari iyi iri kubva kupi nekuti hurumende iri kuzviti haina mari nekuti zvinhu hazvina kumira zvakanyaka munyika.

Munyori mukuru mubato reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vati vari kutaura nemasangano akazvimirira nemachechi kuti abatane navo mukuratidzira vachiti hurumende yanyangira yaona.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora