VaChamisa Voshora VaMugabe neKurambira paChigaro

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vashora zvikuru mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemashoko avo ekuti havasi kuzosiya chigaro.

VaChamisa vati zviri pachena kuti VaMugabe vakwegura uye vanhu vakawanda munyika vave kuda kuti vasiye chigaro pauye vanotemwa dzinobva ropa.

Vatiwo matauriro aVaMugabe anoratidza kuti havasi kuziva kuti vanhu vari kunonga svosve nemuromo munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa