Amai Mujuru Vodzinga VaMutasa, VaGumbo neVamwe Vakambodzingwa muZanu PF?

  • Blessing Zulu
    Jonga Kandemiiri

Amai Joice Mujuru

Vakafanobata chigaro chemutungamiri we Zimbabwe People First, Amai Joice Mujuru, vanoti vadzinga mubato iri nhengo dzinoti VaRugare Gumbo, VaDidymus Mutasa, Amai Margaret Dongo, VaKudakwashe Bhasikiti, VaMunacho Mutezo nevamwe.

Vanonzi vadzingwa ava vamwe vevanhu vakadzingwa muZanu-PF pamwe chete naAmai Mujuru.

Mutauriri webato iri, VaJealousy Mawarire, vatenda kuti vanhu ava vange vadzingwa sezvo vange vasiri kutevera gwara rebato.

VaMawarire vatiwo vanhu ava vange voda kupandukira Amai Mujuru.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJealousy Mawarire

Vachipindura zvaitwa naAmai Mujuru, nhengo dzinonzi dzadzingwa, VaMutasa naVaGumbo, vanoti zvaitwa naAmai Mujuru hazvisi mubumbiro rebato ravo.

Mugwaro raburitswa nevaviri ava, VaGumbo naVaMutasa vati Amai Mujuru havana masimba ekuvadzinga mubato.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo

Varambawo mashoko ekuti vaida kupidigura Amai Mujuru, vachiti ivo ndivo vakagadza Amai Mujuru kuti vafanobata chigaro kwechinguva.

Vanotiwo bato ravo rakawirirana kuti hapana anodzingwa mubato, asi kuti anenge achitadza basa, anopihwa zvimwe zvekuita.

Vaviri ava vavimbisawo vanhu vemu Zimbabwe kuti bato ravo richakasimba.