VaMzembi Vokwikwidza Zvakasimba neGurukota rekuSeychelles paChigaro cheUNWTO

Amai Anastacia Ndlovu

Vaimbova gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika yeSeychelles, VaAlain St. Ange, vanonzi vave kupinda mudariro vachikwikwidzana negurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, pachigaro chekuva munyori mukuru musangano reUnited Nations World Tourism Organization kana kuti UNTWO.

VaMzembi mbune vanoti vakawana rutsigiro kubva kuvatungamiri venyika dziri muAfrican Union vakawanda kumusangano wakaitwa kuKigali muna 2016. VaMzembi vanotiwo vane rutsigiro rweSADC.

Munyori mukuru weUNTWO, Dr Taleb Rifai, vekuJordan vari kusiya basa kupera kwegore rino asi sarudzo dzichaitwa hadzo muna Chivabvu kuMadrid, Spain. Hatina kukwanisa kubata VaMzembi avo vanzi vari kumusangano weAfrica Summit kuMali.

Mutevedzeri wegurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Anastacia Ndlovu vanoti vane chivimbo kuti VaMzembi vanobudirira.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Anastacia Ndlovu