Misoro yeNhau, Chitatu Zvita 28, 2016

Misoro yeNhau

Dambudziko rekushomeka kwemari roramba richiwedzera munyika vanhu vachirara panze pemabhanga.

Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya vari kutarisirwa kuparura hurongwa hwekufambiswa kwemari kana kuti Monetary Policy muna Ndira asi vakawanda vanoti nyika yaenda kumazivandadzoka.

Hurumende yeBritain inopa nyika dzekuchamhembe kweAfrica kusanganisa Zimbabwe mari yekubatsira vana vadiki nezvekudya zvinovaka muviri.

Vanhu vanoita zvekubheja mijahwo yembwa, mahachi, nhabvu nezvimwe kumakambani akaita seAfricaBet kuChinhoyi votadza kuwana mibayiro yavo kana vahwina.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk- Diaspora Forum, nhasi tiri kutaura nevevatereri vedu vari kunze kwenyika nezvezvisungo zvavo muna 2017

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai Whatsapp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7pm pamasaisai anoti 909 am ne 13860. 15460 ne 4930 Kilohertz paShortwave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau, Chitatu Zvita 28, 2016