Zimbabwe Yobatana neSouth Africa Kuyedza Kudzivirira Njodzi muMigwagwa paZororo

  • Blessing Zulu

Gurukota rinoona nezvekutakurwa kwevanhu nezvinhu Doctor Joram Gumbo vari kukurudzira vanhu kuti vatyaire dzimotokari vakangwarira njodzi.

Vanhu gumi nevatanhatu vakafa musi wekisimusi chete. Asi gore rapera vanhu vana vakashaya. Mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi vanoti vatyairi vakapinda munjodzi idzi vaimhanyisa motokari zvinopfurikidza mwero.

Kuyedza kudzivirira njodzi, bazi reTraffic Safety Council of Zimbabwe rabatana neSouth Africa kupa vatyairi dzidziso nezvenjodzi mumigwagwa pazororo regoredzva.

Dzidziso iyi iri kuitirwa paBeitbridge kutanga musi wa 5 Ndira. VaGumbo vanoti vatyairi vanofanirawo kufamba kwakachena.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoram Gumbo