VaSaruwaka Vodzingwazve muDare reParamende neKupfeka Bhachi Rinonzi Rine Ruvara rweMureza weNyika

  • Blessing Zulu

VaTrevour Saruwaka

Nhengo yedare reparamende inomirira Mutasa Central mudare reparamende VaTrevour Saruwaka nemusi weChipiri vakarambidzwa zvekare kupinda mudare reparamende vakapfeka bhachi ravo ranzi range riine mavara emureza wenyika.

VaSaruwaka

Mapurisa ange akapakatira zvombo panze pedare iri ndiwo arambidza VaSaruwaka kupinda mudare.

Saruwaka

VaSaruwaka vakakwidza mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kudare repamusoro reHigh Court vachivapomera mhosvayekutyora kodzero dzavo.

VaMudenda vari kurambidza nhengo dzedare reparamende kupinda mudare uyu nemureza wenyika kana kupfeka mabhachi anenge aine mavara emureza wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTrevor Saruwaka