VaBronkhorst Vakabatsira Kuuraya Shumba Cecil Vonzi Havana Mhosva

  • Blessing Zulu

Shumba Cecil

VaTheo Bronkhorst vakabatsira kuuraya shumba yainge iine mukurumbira inonzi Cecil vanzi nedare repamusoro havana mhosva nekuti hapana humbowo hwakakwana hwekuti vachuchiswe.

Gweta ravabronkhorst amai Perpetua Dube vatenda kuti dare rarasa nyaya iyi. Shumba iyi yakaurayiwa kuhwange national park nemumwe chiremba wekuamerica Dr Walter Palmer vachibatsirana naVaBronkhorst.

VaPalmer vainge vabhadhara mari inosvika zviuru zvishanu nezvishanu zvemadhora kuti vavhime shumba iyi muna chikunguru gore rapera. Izvi zvakaitwa kunyangwe shumba iyi yainge yakachengetedzwa.

Sachigaro we Zimbabwe Conservation Task Force VaJohnny Rodriguez avo vati nyaya yehuwori ndiyo iri kupa kuti pashaye vanovhima zvisiri pamutemo vanoenda kumajeri. VaRodriguez vati VaBronkhorst vanozivana nevamwe vakuru muhurumende ndokusaka vasingakandwe mujeri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJonny Rodriguez