Constitutional Court Yozeya Nyaya Yekuti ZACC Ingasunge VaMoyo Here Kana Kuti Kwete

VaJonathan Moyo

Gurukota rinoona nezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Jonathan Moyo nemusi weChishanu vakakwira kudare repamusoro soro reConstitutional Court vachipikisa kusungwa kwavo nebazi rinodzivirira huwori reZimbabwe Anti-Corruption Commission kana kuti ZACC.

Gweta raVaMoyo, VaTerrence Hussein vanoti VaMoyo vakakwira kudare reConcourt nekuti vanofunga kuti ZACC haina masimba pabumbiro remutemo ekuti ipote ichisunga vanhu. VaHussein vanoti dare reConcourt rakatambira chikumbiro chavo chekuti ZACC imbomira kuchuchisa VaMoyo.

Asi mutevedzeri wavo Dr Godfrey Gandawa vakamiswa pamberi pedare ramagistrate nemusi weChishanu vachipomerwawo mhosva imweyo yekuita zvehuori. Dr Gandawa vakaendeswa mutirongo kusvika neMugovera pachanzwikwa chikumbiro chavo chekukumbira mukana wekubhashara mari yechibatiso.

Vaviri ava vari kupomerwa mhosva yekuba mari yeZimbabwe Manpower Development Fund kana kuti ZIMDEF homwe yemari iri pasi pebazi ravo inofanira kupihwa vadzidzi.

VaMoyo vakatenda padandemutande ravo retwitter kuti vakatora mari iyi vakatenga mabhasikoro kunzvimbo yavanomirira mudare reparamende yeTsholotsho imwe vakati vakaendesa kubato reZanu-PF.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTerrence Hussein