Nyaya yeKodzero dzeVanhu yemuZimbabwe Yozeyiwa kuGeneva

  • Blessing Zulu

VaEmmerson Mnangagwa

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kupinda mumisangano yekodzero dzevanhu inonzi Universal Periodic Review inoitwa nebazi re United Nations Human Rights Council.

VaMnangangwa vanoti vakagadzirira zvikuru musangano uyu uye Zimbabwe iri kupinda mugango nemusi weChitatu.

Mamwe masangano akazvimirira oga akaita seZimbabwe Lawyers for Human Rights neHuman Rights Watch ari kupindawo mumisangano iyi.

VaDewa Mavhinga vanova chipangamazano musangano reHuman Rights Watch avo vari kuenda kumusangano uyu vanoti vari kushushikana nemashoko ehurumende yeZimbabwe yekuti iri kuita zvose zvainogona kuchengetedza kodzero dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDewa Mavhinga