Madzimai Okurudzirwa Kuvhenekwa Chirwere cheGomarara

Kunyangwe hazvo mwedzi waGumiguru uri mwedzi unocherechedzwa chirwere chegomarara repazamu, vanhukadzi vakawanda munyika vanoti zvakakosha kuti vanhu vataure nezvechirwere ichi mazuva ose.

Vachitaura neStudio 7 Amai Rhoda Mangoma vanogara kuTanda, kuMashonaland Cental vanoti kunyangwe zvazvo zvimwe zvirwere zvichidzidziswa vanhu, chirwere chegomarara kumamisha hachinyanyo shambadzwa vakati ishuviro yavo yekuti vanhukadzi vekumaruwa vadzidziswe nezvechirwere ichi.

Muzvare Catherine Mutema mumwe wevechidiki akurudzira hurumende kuti iwanise vechidiki zvirongwa zvekuongororwa gomarara pachena.

Sangano reCancer Association iro raimboongorora chirwere chegomarara pachena mumwedzi waGumiguru chinoti gore rino chiri kubhadharisa dhora rimwe chete.

Amai Junior Mavu mukuru weCancer Association of Zimbabwe vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo vanhu vari kuuya kuzoongororwa, huwandu hwavo hwaderera. Izvi zvinogona kuva zviri kukonzerwa nemutero uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvehutano, Dr Edwin Muguti avo vave kutungamira kirinika yezvegomarar pachipatara cheParirenyatwa vanoti chirwere chegomarara chinorapika kana chichinge chakurumidzirwa kubatwa.

Dr Muguti vanoti madzimai anofanira kupota achivhenekwa navanachiremba uye kuzvivheneka kuona kana vaine mapundu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDumisani Mtombeni