VaMugabe Voita Musangano weChimbichimbi neMutungamiri weMalaysia

  • Blessing Zulu

President Robert Mugabe at ZANU-PF meeting

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChishanu vakasangana nemutungamiri wehurumende yeMalaysia VaNajib Razak kumusangano wavakangoenda zvechimbi chimbi.

Izvi zviri kunzi nevamwe vakuru vehurumende zvakonzerwa nekusamira zvakanaka kwehupfumi zvapa kuti vaende kunosunza.

VaMugabe vakasimuka munyika neChina vachiperekedzwa nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe, gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo nevamwe vakuru muhurumende yavo.

VaMugabe vakapedzisira kuenda kuMalaysia pachine mutungamiri wehurumende wenyika iyi wavaidyidzana naye VaMahathir Mohamad. Mazuva ano VaMugabe vanowanzoenda kuMalaysia vachienda kunorapwa.

Vatungamiri vekuMalaysia vatenda kuti VaMugabe vari munyika iyi asi havana zvizhinji zvavataura mezverwendo urwu.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoti zviri pachena kuti VaMugabe vave kutsvaga uta nemugate sezvo hupfumi hwaenda kumawere.

Zimbabwe yaimbenge iine hushamwari hwebhande nebhurugwa neChina asi mazuva ano panenge paita zinyeke nyeke.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJoy Mabenge