Bato reMDC-T neMugovera riri kuita mhemberero yemakore gumi nemanomwe raumbwa kuWhite City Stadium muBulawayo.
Mhemberereo idzi dziri kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekupedzisa chinangwa chekusunungura nyika kubva kubato reZanu-PF kana kuti “redifining the end game”.
Mumashoko kuvatori venhau neChishanu, bato iri rati riri kunetseka zvikuru nehurombo hwatekeshera munyika.
MDC- DEMO
Bato iri ratiwo mumakore ose apfuura kubva zvaraumbwa nhengo dzato dzaitwa kafiramberi, kusungwa nekutyorerwa kodzero uye vatungamiri vebato iri vachisungwawo asi raramba rakamira semusambangwena.
MDC-T inotiwo mumhemberero idzi iri kurangarira vose vakaurayiwa nekuti vanoitsigira.
Bato iri rati rakazvipira kushanda nevamwe vanopikisa kuti vaunze hutongi hwavamugabe kumagumo.