Vadzidzi VeZINASU Voburitswa Mutirongo

  • Blessing Zulu

Nhengo dzeZINASU

Mutongi wedare kwaMutare ramejastiriti kwaMutare VaPoterai Gwezhira nemusi weChipiri vakaburitsa muhusungwa nhengo gumi neshanu dzesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union dzakasungwa nemusi weMugovera dzichiita musangano kuPenhalonga.

Vadzidzi ava vakasungwa vachiita musangano paForestry Industry Training Centre.

Asi vamwe vadzidzi vaviri vanzi vadzoke kudare nemusi weChitatu kuti paonekwe kuti vopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete.

Vadzidzi ava vange vachimirirwa nemagweta anova nhengo dzeZimbabwe Lawyers for Human Rights anoti VaTinoziva Bere, VaBlessing Nyamaropa naVaChris Nldovu.

VaBere vanoti mapurisa ange achivapomera mhosva yekutyora mutemo wePublic Order and Security Act kana kuti POSA.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTinoziva Bere

Magweta aya anoti vadzidzi vechisikana vange vachityorerwa kodzero dzavo vari muhusungwa sezvo vange vasingakwanise kuona zvinhu zvekuti vachengetedze hutsanana hwavo uye vachityisidzirwa.